Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Vanakomana zvidhakwa voshungurudza baba murwere

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara mumusha weGlen Norah B, muguta reHarare, anoti ari kuoneswa pfumvu nevanakomana vake vaviri avo vanoita ruzha pamba vachirwa nemadzimai avo pose pavanenge vanwa doro.

Boaz Nembire audza dare reHarare Civil Court kuti Ronald Nembire naIsaac Nembire vanogara vachiita mhirizhonga pamba.

“Vana vangu ava vane tsika yokuti vakadhakwa vanotanga kurwisana nemadzima avo, ndikada kuvarambidza vanondituka. Apa ini wacho ndine chirwere chegomarara nokudaro ndakatoiswa chubhu padumbu yandinogara nayo,” anodaro Boaz.

“Ndinoda runyararo nekuti muviri wangu hauchaita zvakanaka saka handidi kugara ndichishungurudzwa nokudaro ndinokumbirawo kuti vabve zvavo pamba pangu ndizvigarire ndega murunyararo.”

Ronald naIsaac havana kuenda kudare.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Boaz gwaro redziviriro ndokuti Ronald naIsaac vanofanirwa kubva pamba pababa vavo votsvaga kumwe kwekugara.