Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Mwana (6) afa atsva nemoto kumahumbwe

Kwayedza

Ray Bande

MWANA ane makore matanhatu okuberekwa wekwaSabhuku Rimbi, kuChipinge, anonzi akafa mushure mekutsva zvakanyanya apo dhirezi rake rakabatira moto achitamba mahumbwe ega.

Tawananyasha Mwaziyangeyi-Hanyanisi akatsva muviri wose akazoshaikira kuchipatara cheChipinge District Hospital nemusi weChipiri svondo radarika.

Munyori uno paakashanyira nzvimbo iyi, mashoko akange atekeshera maringe nefiro yemwana uyu inova inorwadza.

Baba vake, VaWillard Mwaziyangeyi-Hanyanisi, vanoti ganda remwana wavo rakasvapuka rose kungosara remumusoro nekuda kwekutsva.

Vanoti mwana wavo aitamba oga pakaitika tsaona iyi.

“Tiri kurwadziwa zvikuru nezvakaitika kumwana wedu. Paakatsva akatora mazuva 13 ari muchipatara kudakara azofa. Ganda rake rose rakatsva kungosara bedzi remumusoro, akanga achitamba ari oga pamba kureva kuti akachema zvikuru asi hakuna akakwanisa kumubatsira. Amai vake vainge vaenda kurwizi kunowacha.

“Chinorwadza ndechekuti Tawananyasha akange achitamba netwumiti achivesa moto asi hazvisi kutambirika kuti moto uyu wakazobvira ukawanda kusvika pakuzomupisa,” vanodaro.

Vamwe vavakidzani vane fungidziro huru yekuti pane zvakaipa zvakaitika kumwana uyu.

Mai Mwaoneni Hakata vanogara pedyo nemhuri iyi vanoti nyaya dzakadai dzinoitika asi vane fungidziro yekuti pane chakakonzeresa nekudaro vemhuri iyi vanofanira kuita tsvakurudzo kuitira kuti vasarambe vachirasikirwa nevamwe vana nenzira imwe chete.

VaLhukumani Hlekisani vanoti: “Zviri pachena kuti pane zvinhu zvakaipa mumhuri iyi kana muti munzvimbo iyi. Kana dai ndanga ndiri ini baba vemwana uyu handaipedza nguva ndichitsvaga kuti chii chakonzeresa tsaona yakadai.”