Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

‘Jeri rakandipinza machena’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wekuMabvuku, muguta reHarare, anoti akagara mujeri kwemakore matanhatu nemwedzi misere mushure mekupara mhosva umo akazobuda aita zvidzidzo zveArt izvo zvave kuita kuti akwanise kuwana raramo nekudhirowa mifananidzo uye kugadzira zvinhu zvakasiyana.

Joe Sere (34), uyo aimboshanda kumakombi, anoti akapara mhosva ari pabasa – iyo asina kuda kubuda pachena kuti yaive yei – ndokuzoendeswa kumatare edzimhosva akapihwa makore matanhatu nemwedzi misere sechirango chekugara mutorongo.

“Ndakaenda kujeri reHarare Central Prison mugore ra2015 ndikanoita makore matanhatu nemwedzi misere ndiriko. Ndakadzidza hunhu hwakanaka kuti mhosva haibhadhare uyewo ndikawana mukana wekuenda kuchikoro ndichidzidza Art. Izvozvi handina chinhu chandisingagone kudhirowa, ingava mifananidzo yevanhu, mhuka, makomo nemiti uye kana zvimwe zvigadzirwa ndinoita,” anodaro Sere.

Anoti nekuda kwezvaakanodzidza ari kujeri, ava kuwana raramo kubva mubasa iri.

“Pandakabva kujeri, ndaitya kuti ndichasvikoshaya zvekuita kuti ndirarame, ndokuzoedza kushandisa ruzivo rwandakawana ndikaona zvichitondibatsira nepashoma,” anodaro.

Joe Sere aine mumwe wemifananidzo yaanodhirowa – Mifananidzo naInnocent Makawa

Sere anoti anowana mabasa kubva kune vemabhizimisi nevanhu vakazvimirira zvisinei kuti haabhadharwe zvinogutsa.

“Basa iri rinoda kuti munhu uzivikanwe uyewo uchinozvishambadza kunzvimbo dzemiganhu yenyika uko kunosvika vashanyi. Ndakamboedza kutumira vamwe kuti vanoshambadza zvinhu zvangu kunzvimbo dzakaita seBeitbridge, Chipinge, Plumtree, Chirundu, Nyanga nekumwe vakauya vachiti zvaifarirwa zvikuru. Asi dambudziko rangu nderekushaya mari yekuti ndiende kunoita mazuva ndiriko ndichitengesa.”

Anoenderera mberi achiti: “Vamwe vanouya vachida kuvandudzirwa mamiriro emudzimba dzavo nekuisirwa pendi nemifananidzo yakasiyana, vamwe ndichidhirowa zviso zvavo nekugadzirawo mifananidzo yemhuka dzakatsaukana.”

Murume uyu anoti anokumbira kune vanogonawo kumupinza basa rinofambirana neraari kuita kuti vamubatsire.